SIMBA REMUNAMATO KUREVERERA VAMWE Chidzidzo 4 cha Chikunguru
SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE Chidzidzo 4 cha Chikunguru 25, 2020
Shoko ra. Mwari rinotikurudzira kuti“rambai muchinyengetera” (1 Va. Tesaronika 5: 17). Pakutsanangudza kwa. Pauro nhumbi dzokurwa dzemu. Kristu, anotaura kuti tinofanirwa “kunyengetera nguva dzose, ” uye akakumbira va. Efeso kuti vamunamatire(Va. Efeso 6: 18 -19). Munamato wakanyanyosimba kana ukashandiswa pakureverera vamwe, vangave vanotenda kana vasingatendi. Munamato wekureverera: Kunamata pane kupokana Kunamatira vanhu zvakatsanangurika nemazita Kunamatira vamwe vatendi Mwari anonzwa minamato yedu Tinofanirwa kunamata sei
KUNAMATA PANE KUPOKANA “Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi na ʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa ye ɗeŋga. ” (Va. Efeso 6: 12) Tinorarama mukupokana munotosvika muchadenga. Kupokana pakati pechakanaka nechakaipa, pakati pa. Kristu na. Satani. Munhu wega ane divi raanoshumira, uye vanhu vazhinji havana chokwadi chekwavakarerekera. Hapana kuti“munhu wese kuchiuto” kurutivi rwa. Kristu. Hapana waanomanikidza kuti amutevere. Haatombopindiri kana tikasamutendera. Munamato wekureverera inzira yatino“bvumidza” Mwari kuti apindire muupenyu hwevatinonamatira. Mwari anoremekedza sarudzo yedu yekuvanamatira uye anotobata zvine simba guru muupenyu hwavo.
KUNAMATIRA VANHU ZVAKATSANANGURIKA NEMAZITA “Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera. ’” (Ruka 22: 31 -32) Jesu aiva munhu wemunamato panguva yake pa. Nyika. Kukura kwaiita kupokana, iyewo aibva azvipira nguva zhinji mumunamato. Aisavimba nesimba rake kuti akurire hondo dzakaipa. Aivimba nguva dzose kuti awane simba ra. Samasimbaose kubudikidza nemunamato. Akasiya muenzaniso wekunamatira vanhu zvakatsanangurika nemazita, sezvaakaitira Petro. Jesu aiziva kuti Petro aisaziva kuti anoda rubatsiro husiku ihwohwo. Nekudaro Jesu akamureverera. Mwari anotikurudzira kuti tiunze vanhu zvakatsanangurika nemazita avo kuchigaro chake tovasiya mumaoko Ake. Tinofanirwa kuramba tichivanamatira kusvika taona zvatinoshuwira. Rangarira kuti Jesu arikutirevererawo mumwe nemumwe wedu
KUNAMATIRA VAMWE VATENDI “Handiregi kuʋoŋga pamsoro penyu, ndicikuraŋgarirai paminyeŋgetero yaŋgu: ” (Va. Efeso 1: 16) Pauro aigaronamatira vamwe vatendi. Chii chaakakumbira? Wona Va. Efeso 1: 17 -23. Kuti Mwari avape uchenjeri (v. 17) Kuti vazive Mwari zviri nani (v. 17) Kuti vazive tariro yekudana Kwake (v. 18) Kuti vazive pfuma yokubwinya kwenhaka inouya (v. 18) Kuti vazive simba ra. Mwari (v. 19 -23) Pauro aigarotendawo nekukura pamweya kwehama dzake, semumunamato wake muna. Va. Firipi 1: 3 -11. Akavanamatira kuti vaenderere mberi pakukura mukutenda. Tinofanirwa kunamatira hama dzedu sezvaiitwa na. Pauro, kuti vagosimbiswa nekukurudzirika murwendo rwavo rwechi. Kristu.
MWARI ANONZWA MINAMATO YEDU “Ipapo akati kwandiri, ‘Usatya Danieri, nokuti kubva pazuʋa rokutaŋga rawakafuŋga nomŋoyo wako wose kunzwisisa noku ɀininipisa pamberi pa. Mŋari wako, mashoko akanzwika; ndaʋuya nokuɗa kwamashoko ako. ’” (Dhanieri 10: 12) Dhanieri ainetseka nekuda kwechimiro cheavo vainge vadzokera ku. Jerusarema vachibva Bhabhironi. Dhanieri akanetsekana, akavanamatira kwemazuva 21. Zvaiita sokunge munamato wake wainge usingapindurwi mumazuva ose aya. Chimiro change chisiri kushanduka zvachose. Mwari akatumira chiratidzo kumuporofita ainge asuwa panguva chaiyo yaive yakafanira. Akavimbisa Dhanieri kuti minamato yake yainge yanzwikwa kubva pane wekutanga. Mwari ainge achishanda pane dzimwe ndima dzehondo asati apindura munamato wa. Dhanieri. Anonzwa munamato wese wekureverera, nyangwepo tichigona kufanirwa kumirira mhinduro.
TINOFANIRWA KUNAMATA SEI Minamato yedu yekureverera inofanirwa kuva ineudzamu, kurevesa uye zvayakananga. “Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi. ” (1 Samueri 12: 23) Pauro akanamatira vanhu vaaive akananga(e. g. vaaishanda navo) nemasangano nemazita awo(e. g. Efeso kana Firipi). Akakumbirawo sangano kuti rinamatire kusunungurwa kwake kana kuti kuparidza kwake kusimbiswe (Va. Fi. 1: 19; Va. Koro. 4: 3). Tinofanirwa kunamatira avo vatinoziva kuti havasati vasangana na. Muponesi kusvika zvino (Jn. 17: 20), vatendi kuti vasimbiswe(Va. Efe. 3: 1416), nekuti Mwari avaregererewo. (1 Jn. 5: 16), kuchengetedzwa kweavo varikupindana nenguva dzakaoma (Mabasa 12: 12)… Patinonamatira vamwe, tinova mugero wekukomborerwa kwavo na. Mwari.
“Kureverera kunosanganisirei? Ingetani yendarira inobatanidza munhu ane pekugumira, nechigaro cha. Mwari asina magumo. Munhu akafirwa na. Kristu anotorerwa zvikumbiro zvake na. Kristu uyo akamutenga neropa Rake. Mupirisita Mukuru wedu anoisa kururama kwake parutivi pemukumbiri anorevesa, uye munamato wa. Kristu unosanganidzana newemunhu anokumbira. ” E. G. W. (That I May Know Him, March 13)
“Tanga kunamatira mweya; huya pedyo na. Kristu, pedyo nerutivi rwake rwunochururuka ropa. Hupenyu hwenyu ngaufukwe nemweya weunyoro, uye mikumbiro yenyu ine kuzvininipisa dai yakwira kuna iye kuitira zivo kuti mugokunda, mukuponeswa kusiri kwemweya yenyu yoga, asi nemweyawo yevamwe. ” E. G. W. (Testimonies for the Church, book 1, cp. 86, p. 513)
- Slides: 9