Asi muchapihwa simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro
“Asi muchapihwa simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu: ipapo mucha zvapupu zvangu pa. Jerusarema, nepa Judhea rose, napa. Samaria, nokusvikira kumugumo wenyika” (Mabasa Avapositori 1: 8)
“Uyu Jesu akamutswa na. Mwari, isu tiri zvapupu zvake tose. Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwa. Mwari, apihwa na. Baba chipikirwa cho. Mweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino” (Mabasa Avapositori 2: 32, 33)
“Zuva rimwe ne rimwe vakanga vachitsungirira mutembere nemweya mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari, vachidikanwa nevanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanirwa kuponeswa” (Mabasa Avapositori 2: 46, 47)
“Shoko ra. Mwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru pa. Jerusarema, navapirisita vazhinji vakagamuchira kutenda. ” (Mabasa Avapositori 6: 7, )
“‘Enda nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, nam adzimambo nokuvana va. Israeri’” (Mabasa Avapositori 9: 15)
“Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: ‘Zvirokwazvo ndinovona kuti Mwari haasi mutsauri wavanhu, asi munyika yoga, ani nani unomutya, uye achiita zvakanaka anotambirika kwaari’” (Mabasa Avapositori 10: 34, 35)
“‘Naizvozvo varume, hama muzive imi, kuti kanganwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwa imi. Kubudikidza naye, mumwe ne mumwe anotenda, unosunungurwa muzvivi zvose, kururamiswa kwamanga musingawane pasi pemutemo wa Mosisi’” (Mabasa Avapositori 13: 38, 39)
“‘Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dza. She Jesu Kristu nomutovo mumwe navo’” (Mabasa Avapositori 15: 11)
“‘Usatya hako, asi taura, usanyarara. Nokuti ndinewe, hapana uchakurwisa kana kukukuvadza, nekuti ndine vanhu vazhinji muguta iri’” (Mabasa Avapositori 18: 9, 10)
“Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu nekupupura kwazvo Evhangeri renyasha dza. Mwari” (Mabasa Avapositori 20: 24)
“Usiku hwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga mwoyo, sezvawakandipupurira kwazvo pa. Jerusarema, unofanira kupupura pa. Roma vo’” (Mabasa Avapositori 23: 11)
“‘Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasine zvisungo izvi’” (Mabasa Avapositori 26: 29)
“‘Pauro, usatya, u nofanira kumira pamberi pa. Kesari; tarira, Mwari akakupa vose vanofamba newe muchikepe’” (Mabasa Avapositori 27: 24)
- Slides: 13